Daraunene
Muchidzidzo cheMasvomhu daraunene (logarithm in English) renhamba X pahwaro b ndiyo nhamba inotaura kuti hwaro hunofanirwa kudzokorora kuwanza kangani kuti pazobuda X.
Somuenzaniso, daraunene rechiuru (1000) pahwaro hwagumi (10) ndinhatu (3). Apa tiri kududzira masvomhu anoti 1000 = 103. Zvoreva kuti daraunene rinotaura kuti gumi (10) ari kudzokorora kuwanza kangani kuti pabude 1000. Gumi ndiye hwaro, nhatu ndiye daraunene. Somuenzaniso daraunene rinonatsa kuwonekwa kana mutsara wemasvomhu wanyorwa sezvizvi:
- 10 x 10 x 10 = (101)3 = 103 = 1000
- 10 x 10 = (101)2 = 102 = 1000
- 10 = (101)1 = 101 = 10
- 1 = (101)0 = 100 = 1
Mashoko anoti daraunene rechiuru (1000) pahwaro hwagumi (10) ndinhatu (3), anonyorwa achipfupiswa sezvinotevera:
Daraunene10 1000 = 3
Nemurangariro mumwechete mashoko anoti, daraunene remakumi matanhatu neina (64) pahwaro hwambiri (2) ndinhanhatu (6), anonyorwa achipfupiswa sezvizvi:
Daraunene2 64 = 6
Kurerutsa Mutauro
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Zvakafanira kuti panyorwe mashoko anotaurika kuEnglish achiturikirwa kuenda kuChiShona:
- Logarithm to base 2 of 16 is 4, inenge yonyorwa kuchinzi: daraunene regumi nenhanhatu (16) pahwaro hwambiri (2) ndi ina (4).
- Find the logarithm to base 10 of 10,0000 inenge yonyorwa kuchinzi: Tsvaga daraunene rezviuru gumi (10,000) pahwaro hwagumi (10). Mhinduro ndiina (4).
- Logarithmic Scale inenge yonzi Chikero chedaraunene.
Kupiwa Kwezita
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Izwi rokuti daraunene rakaumbwa nezvikamu zviviri zvinoti dara nokuti unene. Mitauro yeBantu inodudza kutara (to count, to reckon) ichireva kuverenga huwandu. Izwi rokuti unene (large, great, magnitude) rinodudza huhombe hwechinhu chiri kupimwa. Saka kana panyorwa daraunene rakadenengara pahwaro tinobva tabuditsa pachena nhamba iri kutsvagirwa daraunene. Tarisai zviri panoperera mutsara unotevera:
- 1000 = 10 x 10 x 10 = (101)3 = 103
Zvakakosha kuonesana kuti mashoko ekuti daraunene hariko kuChiShona chinodzidziswa kuZvikoro; pano munyori ari kuzama kuturikira chete mashoko anotaurika kuEnglish.
Dara kuMitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- VaGikuyu vanoti kotara (to enumerate).
- VaGiryama vanoti kutala (v. to number; to add up, to count).
- VaGiryama vanoti mutalo (n. a reckoning).