Hanzvadzi
Mataridziko
Hanzvadzi (nge: sibling) ishoko rinoreva vanhu vaviri munhukadzi nemunhurume vakazvarwa nababa vamwechete kana kuti amai vamwechete.
- Shoko iri rinoshandiswazve kududza vanhu vaviri munhukadzi nemunhurume vakazvarwa nemadzimai vanenge vari mukoma nemunin'ina.
- Shoko iri rinoshandiswazve kududza vanhu vaviri musikana nemukomana vakazvarwa nemadzibaba vanenge vari mukoma nemunin'ina.
Mitauro ye Afurika
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Nyungwe inoti m'bale (sibling; brother or sister) kureva mwana wababa kana Amai vako. Lozi inoti kaizeli (n. opposite sex sibling) kureva hanzvadzi.
- Lunyoro inoti wanyina (n. a brother or sister) kureva hanzvadzi, mukoma kana munin'ina. VaNyoro vanoti munyanya (n. opposite sex sibling) kureva hanzvadzi.
- Kikuyu inoti mwari wa maito (sister) vachireva hanzvadzi. Kagulu inoti dilumbu (n. reciprocal term meaning opposite sex sibling) kureva hanzvadzi.
- Chuwabo vanoti murogori kana arogori (n. opposite sex sibling) kureva hanzvadzi. C'Lela vanoti hà̱nù (n. brother, sister, relative, sibling).
- Kinande inoti obubhóndê (n. the relation of brothers and sisters, a spouse), hukama pakati pehanzvadzi kana vakaroorana.