Chuma
Mataridziko
Chuma (ku Chingezi: bead) kana Shambo chinhu chidiki, chekushongedza chinoumbwa mumhando dzakasiyana uye saizi yechinhu chakadai sedombo, bhonzo, goko, girazi, pwastiki, huni kana parera uye ine gomba diki rekusunga kana tambo.
Mutsika dzeVashona
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]Chuma chinoshandiswa panguva yekuroorwa, vakadzi vanoipfeka pahuro. Pamusoro pezvo chuma chinopfekwa mumaoko, mumakumbo, pahuma, mumusoro uye muchiuno nehudyu.
Chinyorwa chino chiri kuunganidza mashoko anoreva chuma kana zvirukwa zvine chuma.
- Chuma (small beads),
- Chimhote kana mukanda (waist beads; gedho (girdle), dumwa (sash) kana bhande rechuma rinopfekwa nevakadzi). Kune zita remhuri rinonzi Muganda.
- Chinhowe kana chuma chekiwani (pink/rose-coloured bead).
- Ruzuma (chuma chidiki diki),
- Rundanyara (chuma kana chishongo chinoiswa pahuma (across forehead) kana runaro; tsungare, rusore.
- Chamugo (stringed to tuft of hair).
- Mukonde (geridho ye zvuma (girdle of beads).
- Hadza?? (large string of beads).
- Chipete (sewn in a circle, for head-dress)
- Nanda (sewn zigazag) kana nhanda.
- Chinyamungwari (Beads sewn on in lozenge (rhombic) pattern.
- Mhanda (Large bead). Zvichida ndipo panobva zita rokuti Chimhanda?
-
Chuma che chiningoningoni (wrists beads)
-
Chuma chechiuno
-
Chuma chehuro
-
Chuma
Mamwe Mazwi
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- Kutunga Chuma (tp string beads together) zvinoreva kuruka chuma.
- Chuma chiswita (n. Pink beads).
- Mundende wechuma (n. Bunch of beads).
Mitauro yeBantu
[chinjirudza | chinjirudza mabviro]- MaZulu vanoti amadube (n. Beadwork with different coloured stripes running horizontally) kureva chuma chine mitsetse inotevedza tambo.
- Baila vanoti kutunga (to pierce as when sewing thatch on), kutunga rwodzi pakupfirira imba.
- Baila vanoti kutunga (to thread a needle, to thread beads) kutunga tsono kana kutunga chuma.
- VaKwere vanoti usalu (n. beads) vachireva chuma. Chuwabo vanoti zango kana mazango (n. beads) vachireva chuma.
- VaWanga vanoti eshuma (string of beads; sometimes used of a single bead) vachireva chuma.
- Nsenga vanoti cuma (n. property, effects) vachireva pfuma